Psalms 79

Pisarema raAsafi.

1Haiwa Mwari, ndudzi dzapinda panhaka yenyu;
vakasvibisa temberi yenyu tsvene,
Jerusarema varideredza rikava marara.
2Vakapa mitumbi yavaranda venyu
sezvokudya zveshiri dzedenga,
nyama yavatsvene venyu kuzvikara zvenyika.
3Vakateura ropa kunge mvura
paJerusarema rose,
uye hakuna munhu anoviga zvitunha.
4Tiri chinhu chinoshorwa navatigere navo,
chinosekwa nechinozvidzwa kuna avo vakatipoteredza.

5Haiwa Jehovha, mucharamba makatitsamwira nokusingaperi kusvikira riniko?
Godo renyu richapisa somoto kusvikira riniko?
6Dururirai hasha dzenyu pamusoro pendudzi dzisingakuzive,
napaushe husingadani kuzita renyu;
7nokuti vakapedza Jakobho
uye vakaparadza nyika yokwake.
8Regai kuverengera pamusoro pedu zvivi zvamadzibaba;
tsitsi dzenyu ngadzikurumidze kuuya kuzosangana nesu,
nokuti tiri pakutambudzika.

9Tibatsirei, imi Mwari Muponesi wedu,
nokuda kwokukudzwa kwezita renyu;
tirwirei mutiregerere zvivi zvedu
nokuda kwezita renyu.
10Ndudzi dzichataurireiko dzichiti,
“Mwari wavo aripi?”
Zivisai pakati pendudzi, pamberi pedu,
kuti munotsiva ropa ravaranda venyu rakateurwa.
11Kugomera kwavasungwa ngakusvike pamberi penyu;
nesimba roruoko rwenyu
chengetedzai avo vakatongerwa rufu.

12Mutsive kanomwe pamabvi avavakidzani vedu,
kutuka kwavakaita zita renyu, imi Ishe.
13Ipapo vanhu venyu, makwai amafuro enyu,
vachakurumbidzai nokusingaperi;
kubva kune chimwe chizvarwa kusvikira kune chimwe chizvarwa,
ticharondedzera nezvokurumbidzwa kwenyu.
Copyright information for SnaBDSC